Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 23:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore rechinomwe Jehoyadha akaratidza simba rake. Akaita sungano navatungamiri vamapoka amazana: Azaria mwanakomana waJerohamu, Ishumaeri mwanakomana waJehohanani, Azaria mwanakomana waObhedhi, naErishafati mwanakomana waZikiri.

2. Vakaenda muJudha yose vakandokokorodza vaRevhi navakuru vemhuri dzavaIsraeri kubva kumaguta ose. Pavakauya kuJerusarema,

3. ungano yose yakaita sungano namambo patemberi yaMwari. Jehoyadha akati kwavari, “Mwanakomana wamambo achatonga sokuvimbisa kwakaita Jehovha maererano nezvizvarwa zvaDhavhidhi.

4. Zvino izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Chetatu chenyu vaprista navaRevhi vanoshanda neSabata vanofanira kurinda mikova.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 23