Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 15:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mweya waMwari wakauya pana Azaria mwanakomana waOdhedhi.

2. Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, “Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakarusai.

3. Kwenguva refu Israeri yakanga isina Mwari wechokwadi, isina muprista kuti avadzidzise uye vasina murayiro.

4. Asi panguva yokutambudzika kwavo vakatendeukira kuna Jehovha, Mwari waIsraeri vakamutsvaka, uye iye akawanikwa navo.

5. Pamazuva iwayo zvakanga zvine njodzi kufamba-famba nokuti vanhu vose venyika dzakawanda vakanga vachitambudzika kwazvo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 15