Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 1:7-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chose chaungada kuti ndikupe.”

8. Soromoni akapindura Mwari akati, “Makaratidza unyoro hwenyu hukuru kwazvo kuna Dhavhidhi baba vangu uye mukandiita mambo pachinzvimbo chavo.

9. Zvino, Jehovha Mwari, itai henyu kuti chivimbiso chenyu kuna baba vangu Dhavhidhi chizadzikiswe, nokuti makandiita mambo pamusoro pavanhu vakawanda seguruva renyika.

10. Ndipeiwo uchenjeri noruzivo, kuti ndigotungamirira vanhu ava, nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu vakawanda ava?”

11. Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo uku kuri kudokwairira kwomwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi, kana zvakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo,

12. naizvozvo uchapiwa uchenjeri noruzivo. Uye ini ndichakupawo upfumi, zvakawanda nokukudzwa zvisati zvambowanikwa namadzimambo ose akakutangira zvakare hakunazve mambo achauya shure kwako achava nazvo.”

13. Ipapo Soromoni akaenda kuJerusarema achibva kunzvimbo yakakwirira paGibheoni, kubva paTende Rokusangana. Uye akatonga Israeri.

14. Soromoni akazviunganidzira ngoro namabhiza; aiva nengoro chiuru namazana mana, nezviuru gumi nezviviri zvamabhiza, zvaaichengetera mumaguta engoro uye nokuJerusarema kwaaivawo.

15. Mambo akaita kuti sirivha negoridhe zviwanikwe kwose kwose muJerusarema samatombo uye misidhari ikawanda semionde mujinga mezvikomo.

16. Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe, vatengi vamambo vaitenga kubva kuKuwe.

17. Vaitenga ngoro imwe chete kubva kuIjipiti ichiita mashekeri mazana matanhatua esirivha uye bhiza rimwe chete richiita mashekeri zana namakumi mashanub. Ivo vaizoatengeserawo kumadzimambo ose avaHiti navaAramu.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 1