Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 8:17-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Akanga ava namakore makumi matatu namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore masere.

18. Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, sezvakaita imba yaAhabhu, nokuti akawana mwanasikana waAhabhu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha.

19. Kunyange zvakadaro, Jehovha akanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwomuranda wake Dhavhidhi. Akanga avimbisa kupa mwenje kwaari nokuvana vake nokusingaperi.

20. Munguva yaJehoramu, Edhomu yakapandukira Judha ikazvigadzira mambo wayo.

21. Naizvozvo Jehoramu akaenda kuZairi nengoro dzake dzose. VaEdhomu vakamukomba iye navakuru vake vengoro, asi akamuka usiku akavarwisa; uye hondo yake yakatizira kumusha.

22. Naizvozvo vaEdhomu vakabva vamukira vaJudha kusvikira nhasi. Ribhina yakapandukawo panguva imwe cheteyo.

23. Zvimwe zvakaitwa pamazuva okutonga kwaJehoramu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo aJudha?

24. Jehoramu akavata namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta raDhavhidhi. Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

25. Mugore regumi namaviri raJoramu, mwanakomana waAhabhu, mambo weIsraeri, Ahazia, mwanakomana waJehoramu, mambo weJudha akatanga kutonga.

26. Ahazia akanga ana makore makumi maviri namaviri paakava mambo, akatonga muJerusarema kwegore rimwe chete. Zita ramai vake rainzi Ataria, muzukuru waOmuri, mambo weIsraeri.

27. Akafamba munzira dzeimba yaAhabhu akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa neimba yaAhabhu, nokuti akanga ari mukuwasha kumhuri yaAhabhu.

28. Ahazia akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu kundorwa naHazaeri, mambo weAramu, paRamoti Gireadhi. VaAramu vakakuvadza Joramu;

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 8