Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 6:19-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Erisha akati kwavari, “Iyi handiyo nzira uye iri harizi iro guta. Nditeverei, ndichakutungamirirai kumunhu wamuri kutsvaka.” Uye akavatungamirira kuSamaria.

20. Mushure mokupinda kwavo muguta, Erisha akati, “Jehovha, svinudzai meso avarume ava kuti vaone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso avo vakatarira, onei, vava muSamaria.

21. Mambo weIsraeri akati achivaona, akabvunza Erisha akati, “Ndivauraye here, baba vangu? Ndovauraya here?”

22. Akamupindura akati, “Musavauraya. Hamungazouraya vanhu vamunenge makatapa nomunondo wenyu kana uta hwenyu here? Vaisirei zvokudya nemvura pamberi pavo kuti vadye uye vanwe vagodzokera kuna tenzi wavo.”

23. Naizvozvo akavagadzirira mabiko makuru, uye vakati vapedza kudya nokunwa akavaendesa, ivo vakadzokera kuna tenzi wavo. Naizvozvo mapoka avapambi vokuAramu akarega zvokupamba nyika yeIsraeri.

24. Shure kwenguva, Bheni-hadhadhi mambo weAramu, akaunganidza hondo yake yose akaenda kundokomba Samaria.

25. Kwakava nenzara huru muguta zvokuti musoro wembongoro waitengeswa mashekeri makumi maserea esirivha, uye chitswandab chamatoto enjiva chaitengeswa namashekeri mashanuc; nokuti nguva yokukombwa yakanga yarebesa.

26. Mambo weIsraeri akati achipfuura naparusvingo, mumwe mukadzi akadanidzira kwaari akati, “Ndibatsireiwo, ishe wangu namambo!”

27. Mambo akamupindura akati, “Kana Jehovha asingakubatsiri ini ndingakuwanira rubatsiro kupi? Kubva paburiro here? Kubva pachisviniro chewaini here?

28. Ipapo akamubvunza akati, “Zvaita sei?” Iye akamupindura akati, “Mukadzi uyu akati kwandiri, ‘Tipe mwanakomana wako kuti timudye nhasi, mangwana tigozodya wangu.’

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 6