Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 4:6-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Midziyo yose yakati yazara, akati kumwanakomana wake, “Ndivigire mumwe mudziyo.” Asi iye akapindura akati, “Hapachina mumwe mudziyo wasara.” Ipapo mafuta akabva aguma.

7. Akaenda kundoudza munhu waMwari uye iye akati, “Chienda unotengesa mafuta ugoripa zvikwereti zvako, iwe navanakomana vako mugorarama neanenge asara.”

8. Rimwe zuva Erisha akaenda kuShunemi. Ikoko kwaiva nomukadzi akanga ari mupfumi, uye akamugombedzera kuti agare ambodya. Saka nguva dzose paaipfuura nepo, aimirapo odya.

9. Mukadzi akati kumurume wake, “Ndinoziva kuti murume uyu anopfuura napano mutsvene waMwari.

10. Ngativakei kamuri padenga tigomuisira mubhedha netafura, nechigaro uye nerambi imomo. Ipapo achakwanisa kugaramo paanenge angotishanyira.”

11. Rimwe zuva Erisha akati asvika, akakwira kukamuri rake ndokurara imomo.

12. Akati kumuranda wake Gehazi, “Dana mukadzi muShunemi.” Naizvozvo akamudana, uye akamira pamberi pake.

13. Erisha akati kwaari, “Muudze kuti, ‘Makatitamburira imi pane zvose izvi, zvino mungaitirwewo chii?’ Tingakumiririrai kuna mambo here kana kumukuru wehondo?” Iye akapindura akati, “Ndine musha pakati pavanhu vokwangu.”

14. Erisha akabvunza akati, “Angaitirwe chiiko?” Gehazi akati, “Zvirokwazvo, haana mwanakomana uye murume wake akwegura.”

15. Ipapo Erisha akati, “Mudane.” Naizvozvo akamudana, mukadzi akamira pamukova.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 4