Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 4:20-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Mushure mokunge muranda amusimudza, akaenda naye kuna mai vake, mukomana akagara pamakumbo amai vake kusvikira masikati, ndokubva afa.

21. Vakakwira pamusoro naye vakandomuradzika pamubhedha womunhu waMwari, ndokupfiga mukova ndokubuda.

22. Mukadzi akadana murume wake akati, “Ndapota, ndidanire mumwe wavaranda nembongoro kuti ndiende kumunhu waMwari nokukurumidza ndigodzoka.”

23. Iye akamubvunza akati, “Uri kuendereiko kwaari nhasi? Hakusi Kugara kwoMwedzi kana Sabata.” Akapindura akati, “Hazvina mhosva.”

24. Akaisa chigaro pamusoro pembongoro akati kumuranda wake, “Tungamira; usafamba zvishoma uchiitira ini kunze kwokunge ndakuudza.”

25. Naizvozvo akaenda akasvika kumunhu waMwari paGomo reKarimeri. Akati achimuona achiri kure, munhu waMwari akati kumuranda wake Gehazi, “Tarisa! Hoyo mukadzi muShunemi!

26. Mhanya undosangana naye ugomubvunza kuti, ‘Munofara mose here? Ko, murume wako anofara here? Ko, mwana wako anofara here?’ ” Mukadzi akati, “Zvose zvakanaka.”

27. Paakasvika kumunhu waMwari paGomo, akabata makumbo ake. Gehazi akauya achiti amusundire kure, asi munhu waMwari akati, “Murege akadaro! Nokuti ane shungu dzinomutambudza, asi Jehovha akandivanzira chinhu ichi uye haana kundiudza kuti imhaka yei.”

28. Mukadzi akati, “Ndakakukumbirai mwanakomana here, tenzi wangu? Ko, handina kukutaurirai kuti musandinyengedzera here?”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 4