Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 23:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Akabvisa vaprista vezvifananidzo vakanga vagadzwa namadzimambo eJudha kuti vapisire zvinonhuwira pamatunhu akakwirira amaguta eJudha napamusoro penzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, vaya vaipisira zvinonhuwira kuna Bhaari, nokuzuva nomwedzi nokunyeredzi dzose dzokudenga.

6. Akabvisa danda raAshera mutemberi yaJehovha akariisa kuMupata weKidhironi kunze kweJerusarema akaripisirako. Akarikuya rikava madota, akaparadzira madota acho pamusoro pamarinda avanhuwo zvavo.

7. Akaputsawo dzimba dzezvifeve zvavarume zvapatemberi dzaiva mutemberi yaJehovha mairukira vakadzi machira aAshera.

8. Josia akabudisa vaprista vose vaibva mumaguta eJudha akashatisa matunhu akakwirira, kubva kuGebha kusvikira kuBheerishebha, kwaipisirwa zvinonhuwira navaprista. Akaputsa matunhu akakwirira apamasuo apamukova weSuo raJoshua, mutongi weguta, raiva kuruboshwe rwesuo reguta.

9. Kunyange zvazvo vaprista vamatunhu akakwirira vakanga vasingashumiri paaritari yaJehovha muJerusarema, vakadya zvingwa zvisina mbiriso pamwe chete nehama dzavo vaprista.

10. Akashatisa Tofeti iri muMupata weBheni Hinomi, kuitira kuti pasava nomunhu angapashandisa kubayira mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto kuna Moreki.

11. Akabvisa pasuo retemberi yaJehovha mabhiza akanga akumikidzwa kuzuva namadzimambo eJudha, akanga ari muchivanze pedyo nekamuri romubati ainzi Natani-Mereki. Ipapo Josia akapisa ngoro dzakanga dzakakumikidzwa kuzuva.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 23