Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 23:30-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Varanda vaJosia vakatakura mutumbi wake mungoro kubva kuMegidho kusvika kuJerusarema vakamuviga muguva rake. Vanhu vomunyika imomo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuzodza uye vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.

31. Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri namatatu paakava mambo, akatonga mwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia, vaibva kuRibhina.

32. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

33. Faro Neko akamusunga nengetani paRibhira munyika yeHamati kuti asatonga muJerusarema, uye akaisa mutero pamusoro peJudha wamatarenda zanaa esirivha netarendab regoridhe.

34. Faro Neko akagadza Eriakimi mwanakomana waJosia kuti ave mambo panzvimbo yababa vake uye Josia akashandura zita raEriakimi kuti rive Jehoyakimi. Asi akatora Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti, uye ndiko kwaakafira.

35. Jehoyakimi akapa Faro Neko sirivha negoridhe sezvaakanga areva. Kuti aite izvozvo, akaripisa vanhu vomunyika imomo mutero achitora sirivha negoridhe kubva kuvanhu venyika maererano nezvavakanga vatarirwa.

36. Jehoyakimi akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi nerimwe muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Zebhidha mwanasikana waPedhaya; vaibva kuRuma.

37. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 23