Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri namatatu paakava mambo, akatonga mwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia, vaibva kuRibhina.