Boka ravaprofita vapaJeriko rakakwira kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Iye akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.”