Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, akatumwa natenzi wake, mambo weAsiria, kuzozvidza Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka nokuda kwamashoko akanzwikwa naJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo unyengeterere vakasara avo vachiri vapenyu.”