Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 19:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha.

2. Akatuma Eriakimi mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori navatungamiri vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi.

3. Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nokunyadziswa, sezvinoita vana vasvika pakuzvarwa ipo pasina simba rokusununguka.

4. Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, akatumwa natenzi wake, mambo weAsiria, kuzozvidza Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka nokuda kwamashoko akanzwikwa naJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo unyengeterere vakasara avo vachiri vapenyu.”

5. Vabati vaHezekia vakati vasvika kuna Isaya,

6. Isaya akati kwavari, “Udzai tenzi wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya mashoko awakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.

7. Tarira, ndichaisa mweya maari wokuti paanonzwa mamwe mashoko, achadzokera kunyika yake, uye ndichaita kuti aurayiwe nomunondo ikoko.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 19