Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 18:30-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Musarega Hezekia achikukurudzirai kuti muvimbe naJehovha paanoti, ‘Zvirokwazvo Jehovha achatirwira; guta rino harizopiwi muruoko rwamambo weAsiria.’

31. “Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kuno kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake, uye achanwa mvura inobva muchirongo chake,

32. kusvikira ndauya ndikakutorai ndigokuisai kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zvokudya newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa, nyika yemiti yemiorivhi nouchi. Sarudzai upenyu kwete rufu! “Musaterera Hezekia, nokuti anokutsausai kana akati, ‘Jehovha achatirwira.’

33. Pana mwari wenyika ipi zvayo akamborwira nyika yake kubva muruoko rwamambo weAsiria?

34. Vamwari veHamati neveAripadhi varipi? Vamwari veSefavhaimi, neHena neIvha varipi? Vakanunura Samaria muruoko rwangu here?

35. Ndiani wavamwari vose venyika idzi akagona kuponesa nyika yake kubva kwandiri? Zvino Jehovha achanunura Jerusarema sei kubva muruoko rwangu?”

36. Asi vanhu vakaramba vakanyarara vakasataura chinhu, nokuti mambo akanga arayira akati, “Musamupindura.”

37. Ipapo Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womunda wamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wavatariri.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 18