Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 18:18-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Vakadana mambo; uye Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakabuda vakaenda kwavari.

19. Mukuru wavatariri akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti: “ ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Chaunovimba nacho chii?

20. Unoti unogona kuronga uye une simba rokurwa, asi uri kungotaura mashoko asingazari mukombe. Uri kuvimba naaniko, kuti undimukire?

21. Tarira zvino, wakasendamira paIjipiti, uya mudonzvo werutsanga rwakatsemuka runobaya ruoko rwomunhu ruchimupa ronda kana asendamira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanosendamira paari.

22. Asi kana ukati kwandiri, “Tinovimba naJehovha Mwari wedu,” ko, haazi iye ane matunhu akakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, achiti kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi muJerusarema here?”

23. “ ‘Chiuya zvino, uite chitsidzo natenzi wangu, mambo weAsiria. Ndichakupa zviuru zviviri zvamabhiza, kana uchigona kuisa vatasvi pamusoro pawo!

24. Ungagona seiko kukunda mumwe wamachinda madiki atenzi wangu kunyange dai uchivimba neIjipiti kuti uchapiwa ngoro navatasvi vamabhiza?

25. Pamusoro pezvo, handina kuuya kuzorwa nokuparadza nzvimbo ino ndisina shoko rinobva kuna Jehovha here? Jehovha pachake akandiudza kuti ndiuye kuzorwisa nyika uye ndiiparadze.”

26. Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhina naJoa vakati kumukuru wavatariri, “Tapota, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachizvinzwa.”

27. Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wako nokwauri chete here kuti nditaure mashoko aya ndisingatauri kuvarume vagere parusvingo, ivo pamwe chete newe vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yemiviri yavo?”

28. Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira norurimi rwechiHebheru achiti, “Inzwai shoko ramambo mukuru, mambo weAsiria!

29. Zvanzi namambo:

30. Musarega Hezekia achikukurudzirai kuti muvimbe naJehovha paanoti, ‘Zvirokwazvo Jehovha achatirwira; guta rino harizopiwi muruoko rwamambo weAsiria.’

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 18