Mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wavabati uye nomukuru wavatariri, nehondo huru, kubva kuRakishi kuti vaende kuna mambo Hezekia kuJerusarema. Vakakwira kuJerusarema uye vakamira pamugero weDziva roKumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki.