Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 16:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ipapo Rezini mambo weAramu naPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema vakakomba Ahazia, asi havana kugona kumukunda.

6. Panguva iyoyo, Rezini mambo weAramu akadzorera Erati kuna Aramu nokudzinga varume veJudha. VaEdhomu vakapinda muErati uye ndimo mavanogara kusvikira nhasi.

7. Ahazia akatuma nhume kuna Tigirati-Pireseri mambo weAsiria akati, “Ndiri muranda wenyu nomwanakomana wenyu. Uyai kuno mundinunure kubva muruoko rwamambo weAramu norwamambo weIsraeri vari kundirwisa.”

8. Ahazia akatora sirivha negoridhe zvakanga zvawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omuzinda wamambo akazvitumira sechipo kuna mambo weAsiria.

9. Mambo weAsiria akamunzwa ndokubva andorwisa Dhamasiko akarikunda. Akaendesa vanhu varo kuKiri uye akauraya Rezini.

10. Ipapo Mambo Ahazia akaenda kuDhamasiko kundosangana naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Akaona aritari muDhamasiko ndokubva atumira mufananidzo wearitari kuna Uria muprista, nerondedzero yamavakirwo ayo.

11. Saka muprista Uria akavaka aritari maererano namavakirwo ose akanga atumwa naMambo Ahazia kubva kuDhamasiko, akaipedza Mambo Ahazia asati adzokako.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 16