Mugore rechinomwe Jehoyadha akatuma vatungamiri vezvikwata zvezana, navarindi akaita kuti vauyiswe kwaari kutemberi yaJehovha. Akaita sungano navo akavaitisa mhiko mutemberi yaJehovha. Ipapo akavaratidza mwanakomana wamambo.