Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 10:23-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Ipapo Jehu naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakapinda mutemberi yaBhaari. Jehu akati kuvashumiri vaBhaari, “Tarirai muone kuti pakati penyu hapana varanda vaJehovha vari pano nemi, asi vashumiri vaBhaari chete.”

24. Naizvozvo vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu akanga amisa panze varume makumi masere neyambiro yokuti: “Kana mumwe wenyu akarega mumwe wavarume ava vandaisa mumaoko enyu achipunyuka, zvichareva kuti iye achamufira.”

25. Jehu akati achangopedza kuita chipiriso chinopiswa, akabva arayira varindi navakuru akati, “Pindai mukati munovauraya; ngaparege kuva neanopunyuka.” Naizvozvo vakavauraya nomunondo. Varindi navakuru vakakanda zvitunha zvavo kunze uye vakapinda munhare yomukati metemberi yaBhaari.

26. Vakabudisa dombo rinoera kunze kwetemberi yaBhaari vakaripisa.

27. Vakaparadza dombo rinoera raBhaari vakaputsa temberi yaBhaari, uye vanhu vakaishandisa sechimbuzi kusvikira nhasi.

28. Naizvozvo Jehu akaparadza chinamato chaBhaari muIsraeri.

29. Kunyange zvakadaro, haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwakomana waNebhati, zvaakaita kuti vaIsraeri vaite—nokunamata mhuru yegoridhe paBheteri napaDhani.

30. Jehovha akati kuna Jehu, “Nokuti wakaita zvakanaka mukuzadzisa izvo zvakarurama pamberi pangu uye ukaita kuimba yaAhabhu zvose zvandaiva nazvo mupfungwa kuti ndiite, vana vako vachagara pachigaro choushe cheIsraeri kusvikira kurudzi rwechina.”

31. Asi Jehu haana kuchenjerera kuchengeta murayiro waJehovha, Mwari waIsraeri, nomwoyo wake wose. Haana kutsauka kubva pazvivi zvaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite.

32. Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kutapudza vaIsraeri. Hazaeri akakurira vaIsraeri munyika yavo yose

33. kumabvazuva eJorodhani munyika yose yeGireadhi (dunhu raGadhi, neraRubheni neraManase), kubva kuAreori nepaMupata weAnoni zvichipfuura nomuGireadhi kusvikira kuBhashani.

34. Zvino mamwe mabasa okutonga kwaJehu, nezvose zvaakaita, uye nokubudirira kwake kwose, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?

35. Jehu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muSamaria. Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paumambo.

36. Jehu akabata ushe pamusoro peIsraeri muSamaria kwamakore makumi maviri namasere.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 10