Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 1:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ivo vakapindura vakati, “Akanga ari murume akapfeka nguo dzine mvere nebhanire reganda muchiuno chake.” Mambo akati, “NdiEria muTishibhi.”

9. Ipapo akatuma mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake kuna Eria. Mukuru uyu akaenda kuna Eria akanga akagara pamusoro pechikomo, ndokuti kwaari, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai!’ ”

10. Eria akamupindura akati, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke uchibva kudenga ukuparadze iwe navanhu vako makumi mashanu!” Ipapo moto wakaburuka uchibva kudenga ukamuparadza iye navanhu vake.

11. Zvadaro mambo akazotumazve mumwe mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake makumi mashanu! Mukuru uyu akati kuna Eria, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai izvozvi!’ ”

12. Eria akati kwaari, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke uchibva kudenga ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu.” Ipapo moto waMwari wakaburuka uchibva kudenga ukamuparadza iye navanhu vake makumi mashanu.

13. Saka mambo akatumazve mumwe mukuru wechitatu ana varume makumi mashanu. Uyu mukuru wechitatu akakwira akazviwisira pasi namabvi ake pamberi paEria. Akamukumbira akati, “Haiwa, munhu waMwari, ndapota, upenyu hwangu nohwavarume ava makumi mashanu, isu varanda venyu, ngahuve hunokosha pamberi penyu.

14. Tarirai moto wakabva kudenga ukaparadza vakuru vaviri vokutanga navanhu vavo vose. Asi zvino upenyu hwangu ngahuve chinhu chinokosha pamberi penyu.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 1