Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 6:9-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. asi, murambe makaitarisa. Kana ikakwidza kuenda kunyika yayo, kwakadziva kuBhetishemeshi, zvoreva kuti Jehovha ndiye anenge auyisa njodzi pamusoro pedu. Asi kana ikarega, ipapo tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatirova uye kuti zvakangotiwirawo.”

10. Saka vakaita izvi. Vakatora mhou mbiri dzakadai vakadzisungirira pangoro uye vakapfigira mhuru dzadzo muchirugu.

11. Vakaisa areka yaJehovha pangoro pamwe chete nebhokisi rakanga rine mbeva dzegoridhe nezviumbwa zvamamota.

12. Ipapo mhou dzakakwidza kuenda Bhetishemeshi, dzakati tande nenzira uye dzichikuma nzira yose; hadzina kutendeukira kurudyi kana kuruboshwe. Vatongi vavaFiristia vakadzitevera kusvikira kumuganhu weBhetishemeshi.

13. Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachikohwa gorosi ravo mumupata, uye pavakasimudza misoro yavo vakaona areka, uye vakafara nokuiona.

14. Ngoro yakauya kumunda waJoshua weBhetishemeshi uye ipapo yakamira parutivi rwedombo guru. Vanhu vakatematema mapuranga engoro uye vakabayira mhou idzi sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha.

15. VaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, pamwe chete nebhokisi raiva nezviumbwa zvegoridhe, vakazvigadzika padombo guru. Musi iwoyo vanhu veBhetishemeshi vakapa zvipiriso zvinopiswa vakabayira zvibayiro kuna Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 6