Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 6:7-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. “Naizvozvo torai mugadzirire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinomwisa uye dzisina kumbosungwa pajoko. Sungai mhou pangoro, asi torai mhuru dzadzo mugodzipfigira muchirugu.

8. Torai areka yaJehovha mugoiisa pangoro, uye mubhokisi parutivi payo isai zviumbwa zvegoridhe zvamuri kutumirako kwaari sechipo chemhosva. Mugoituma iende,

9. asi, murambe makaitarisa. Kana ikakwidza kuenda kunyika yayo, kwakadziva kuBhetishemeshi, zvoreva kuti Jehovha ndiye anenge auyisa njodzi pamusoro pedu. Asi kana ikarega, ipapo tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatirova uye kuti zvakangotiwirawo.”

10. Saka vakaita izvi. Vakatora mhou mbiri dzakadai vakadzisungirira pangoro uye vakapfigira mhuru dzadzo muchirugu.

11. Vakaisa areka yaJehovha pangoro pamwe chete nebhokisi rakanga rine mbeva dzegoridhe nezviumbwa zvamamota.

12. Ipapo mhou dzakakwidza kuenda Bhetishemeshi, dzakati tande nenzira uye dzichikuma nzira yose; hadzina kutendeukira kurudyi kana kuruboshwe. Vatongi vavaFiristia vakadzitevera kusvikira kumuganhu weBhetishemeshi.

13. Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachikohwa gorosi ravo mumupata, uye pavakasimudza misoro yavo vakaona areka, uye vakafara nokuiona.

14. Ngoro yakauya kumunda waJoshua weBhetishemeshi uye ipapo yakamira parutivi rwedombo guru. Vanhu vakatematema mapuranga engoro uye vakabayira mhou idzi sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha.

15. VaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, pamwe chete nebhokisi raiva nezviumbwa zvegoridhe, vakazvigadzika padombo guru. Musi iwoyo vanhu veBhetishemeshi vakapa zvipiriso zvinopiswa vakabayira zvibayiro kuna Jehovha.

16. Vatongi vashanu vavaFiristia vakaona zvose izvi vakadzokera kuEkironi musi iwoyo.

17. Aya ndiwo mamota egoridhe akatumirwa navaFiristia sechipiriso chemhosva kuna Jehovha, rimwe kuAshidhodhi, rimwe kuGaza, rimwe kuAshikeroni, rimwe kuGati nerimwe kuEkironi.

18. Uye uwandu hwembeva dzegoridhe hwaienderana nouwandu hwamaguta avaFiristia akanga ari avatongi vashanu, maguta aiva namasvingo nemisha yawo yomumaruwa. Dombo guru ravakagadzika areka yaJehovha, riripo nanhasi sechapupu mumunda waJoshua weBhetishemeshi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 6