Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 2:8-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Anosimudza varombo kubva paguruva uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota;anovagarisa namachinda uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa.“Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha, pamusoro padzo akamisa nyika.

9. Acharinda tsoka dzavatsvene vake, asi vakaipa vachanyaradzwa murima.“Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.

10. Avo vanopikisa Jehovha vachaparadzwa. Achavatinhirira ari kudenga;Jehovha achatonga magumo enyika.“Achapa simba kuna mambo wake, uye achasimudzira runyanga rwomuzodziwa wake.”

11. Zvino Erikana akaenda kumusha kwake kuRama,asi mukomana akashumira pamberi paJehovha ari pasi paEri muprista.

12. Vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaipa; vakanga vasina hanya naJehovha.

13. Zvino yakanga iri tsika yavaprista kuvanhu kuti munhu paaibayira chibayiro uye nyama ichiri kubikwa, muranda womuprista aiuya neforogo ine zvibayiso zvitatu muruoko rwake.

14. Aiinyudza mugango, kana muhadyana, kana mugate kana mupoto, ipapo muprista ozvitorera chero zvainge zvabudiswa neforogo. Aya ndiwo mabatiro avaiita nawo vaIsraeri vose vaiuya kuShiro.

15. Asi, kunyange mafuta asati atsva, muranda womuprista aiuya achiti kumurume aibayira chibayiro, “Ipa muprista nyama yokugocha; haasi kuzogamuchira nyama yakabikwa kubva kwauri, asi mbishi chete.”

16. Kana murume uya aiti kwaari, “Rega mafuta ambotanga atsva uye iwe ugozotora chero zvaunoda,” uye muranda aibva apindura achiti, “Kwete, ndipe kuno zvino; kana ukasandipa ndichaitora nechisimba.”

17. Ichi chivi chamajaya aya chaiva chakakura kwazvo pamberi paJehovha, nokuti vaizvidza chipo chaJehovha.

18. Asi Samueri aishumira pamberi paJehovha, mukomana aive akapfeka efodhi yomucheka.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 2