Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 2:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Hana akanyengetera achiti:“Mwoyo wangu unofara muna Jehovha; muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro. Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu, nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.

2. “Hakuna mutsvene akaita saJehovha; hakuna mumwe kunze kwenyu;hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.

3. “Usaramba uchitaura uchizvikudza uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako,nokuti Jehovha ndiMwari anoziva, uye naye mabasa anoyerwa.

4. “Uta hwavarwi hwatyorwa, asi avo vakagumburwa vashongedzwa simba.

5. Avo vaiva vakaguta vakandoshandira zvokudya zvavo,asi avo vaiva nenzara havachanzwi nzara zvakare.Uyo aiva asingabereki abereka vana vanomwe,asi iye akanga ana vana vazhinji oshayiwa simba.

6. “Jehovha ndiye anouraya uye ndiye anoraramisa;anodzikisa kuguva uye anomutsawo.

7. Jehovha ndiye anopa urombo uye noupfumi;uye anoninipisa uye anosimudzira.

8. Anosimudza varombo kubva paguruva uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota;anovagarisa namachinda uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa.“Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha, pamusoro padzo akamisa nyika.

9. Acharinda tsoka dzavatsvene vake, asi vakaipa vachanyaradzwa murima.“Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.

10. Avo vanopikisa Jehovha vachaparadzwa. Achavatinhirira ari kudenga;Jehovha achatonga magumo enyika.“Achapa simba kuna mambo wake, uye achasimudzira runyanga rwomuzodziwa wake.”

11. Zvino Erikana akaenda kumusha kwake kuRama,asi mukomana akashumira pamberi paJehovha ari pasi paEri muprista.

12. Vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaipa; vakanga vasina hanya naJehovha.

13. Zvino yakanga iri tsika yavaprista kuvanhu kuti munhu paaibayira chibayiro uye nyama ichiri kubikwa, muranda womuprista aiuya neforogo ine zvibayiso zvitatu muruoko rwake.

14. Aiinyudza mugango, kana muhadyana, kana mugate kana mupoto, ipapo muprista ozvitorera chero zvainge zvabudiswa neforogo. Aya ndiwo mabatiro avaiita nawo vaIsraeri vose vaiuya kuShiro.

15. Asi, kunyange mafuta asati atsva, muranda womuprista aiuya achiti kumurume aibayira chibayiro, “Ipa muprista nyama yokugocha; haasi kuzogamuchira nyama yakabikwa kubva kwauri, asi mbishi chete.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 2