Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 19:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Dhavhidhi akati atiza uye apunyuka, akaenda kuna Samueri kuRama akamuudza zvose zvakanga zvaitwa kwaari naSauro. Ipapo iye naSamueri vakaenda kuNayoti vakandogarako.

19. Shoko rakasvika kuna Sauro richiti, “Dhavhidhi ari kuNayoti paRama.”

20. Saka akatuma vanhu kundomubata. Asi vakati vaona boka ravaprofita vachiprofita, naSamueri amire ipapo somutungamiri wavo, Mweya waMwari wakauya pamusoro pavanhu vaSauro uye naivowo vakaprofita.

21. Sauro akaudzwa nezvazvo, akatumazve vamwe varume, naivowo vakaprofita.

22. Pakupedzisira, iye akaendawo kuRama akaenda kutsime guru rapaSeku. Zvino akabvunza akati, “Samueri naDhavhidhi varipiko?” Ivo vakati, “Uko kuNayoti paRama.”

23. Saka Sauro akaenda kuNayoti paRama. Asi Mweya waMwari wakauya kunyange pamusoro pake, akafamba achiprofita kusvikira kuNayoti.

24. Akabvisa nguo dzake akaprofitawo pamberi paSamueri uye akavata pasi akashama zuva rose nousiku hwose. Naizvozvo vanhu vanoti, “NaSaurowo ari pakati pavaprofita here?”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 19