Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 18:10-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Fume mangwana, mweya wakaipa wakabva kuna Mwari wakauya nesimba pamusoro paSauro. Akanga achiprofita ari mumba make, Dhavhidhi achiridza mbira, sezvaaisiita nguva dzose. Sauro akanga ane pfumo muruoko rwake.

11. Uye akaripotsera, achiti mumwoyo make, “Ndichabayira Dhavhidhi kumadziro.” Asi Dhavhidhi akamunzvenga kaviri kose.

12. Sauro akanga achitya Dhavhidhi, nokuti Jehovha akanga anaye asi akanga abva kuna Sauro.

13. Saka akamuendesa kure naye uye akamuita kuti ave mukuru wechiuru chavarwi, uye Dhavhidhi akatungamirira varwi muhondo dzavo.

14. Pazvinhu zvose zvaaiita aibudirira zvikuru kwazvo, nokuti Jehovha akanga anaye.

15. Sauro akati achiona kuti Dhavhidhi aibudirira sei, akamutya.

16. Asi vaIsraeri navaJudha vose vaida Dhavhidhi, nokuti akavatungamirira muhondo dzavo.

17. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Hoyu Merabhi mwanasikana wangu mukuru. Ndichamupa kwauri kuti ave mukadzi wako; chete iwe chindishandira wakashinga uye urwe hondo dzaJehovha.” Nokuti Sauro akafunga mumwoyo make achiti, “Handichasimudzi ruoko rwangu kuti ndirwe naye. VaFiristia ngavaite izvozvo!”

18. Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini ndini ani hangu, uye mhuri yangu chiiko, kana imba yababa vangu muIsraeri, kuti ndive mukuwasha wamambo?”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 18