Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 17:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Chitora efad iyi yezviyo zvakakangwa nezvingwa izvi gumi ukurumidze kundopa madzikoma ako kumusasa wavo.

18. Uendewo nezvidimbu izvi zvechizi kumukuru wechiuru. Uone kuti madzikoma ako akadini ugouya neshoko rinobva kwavari.

19. Vari pamwe chete naSauro navarume vose veIsraeri muMupata weEra kwavari kurwa navaFiristia.”

20. Mangwanani-ngwanani, Dhavhidhi akasiya boka ramakwai rino mufudzi, akarongedza akaenda, sezvaakanga arayirwa naJese. Akasvika pamusasa varwi pavakanga vobuda kuti vaende kunzvimbo dzavo dzokurwira, vachiita ruzha rwehondo,

21. VaIsraeri navaFiristia vakanga vakamira pamitsetse yavo vakatarisana.

22. Dhavhidhi akasiya zvinhu zvake zvino mutariri wenhumbi, akamhanyira kwakanga kwakamira varwi, akakwazisa madzikoma ake.

23. Paakanga achitaura navo, Goriati, muFiristia, shasha yaibva kuGati, akabuda kubva kumitsetse yokwake akadanidzira achimhura sezvaaisiita, uye Dhavhidhi akazvinzwa.

24. VaIsraeri vakati vachiona murume uyu, vose vakamutiza vachitya zvikuru.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 17