Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 14:44-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

44. Sauro akati, “Mwari ngaandirove, ngaandirove kwazvo, kana iwe Jonatani ukasafa.”

45. Asi vanhu vakati kuna Sauro, “Jonatani angafanira kufa, iye akaponesa vaIsraeri nokuponesa kukuru kuya? Kwete! Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, hakuna kana bvudzi romusoro wake richawira pasi, nokuti aita izvi nhasi achibatsirwa naMwari.” Saka vanhu vakanunura Jonatani, uye haana kuurayiwa.

46. Ipapo Sauro akarega kutevera vaFiristia, ivo vakadzokera kunyika yavo.

47. Shure kwokugadzwa kwaSauro ushe pamusoro pavaIsraeri, akarwa navavengi vavo kumativi ose, vaiti: Moabhu, vaAmoni, Edhomu, madzimambo eZobha, navaFiristia. Kwose kwaakatendeukira, akavatambudza.

48. Akarwa noumhare akakunda vaAmereki, akadzikinura vaIsraeri kubva mumaoko avaya vakanga vavapamba.

49. Vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, Ishivhi naMarikishuwa. Zita romwanasikana wake wedangwe rainzi Merabhi, uye romuduku rainzi Mikari.

50. Zita romukadzi wake rainzi Ahinoami, mwanasikana waAhimaazi. Zita romutungamiri wehondo yaSauro rainzi Abhineri, mwanakomana waNeri, uye Neri akanga ari babamunini vaSauro.

51. Kishi baba vaSauro naNeri baba vaAbhineri vakanga vari vanakomana vaAbhieri.

52. Pamazuva ose aSauro pakanga pane hondo huru kwazvo navaFiristia, uye Sauro aiti kana akaona munhu ane simba uye akashinga, aimutora omuita murwi wake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 14