Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 9:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. VaIsraeri vose vakanyorwa munhoroondo dzakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri.VaJudha vakatapwa vakaendeswa kuBhabhironi nokuda kwokusatendeka kwavo.

2. Zvino vakatanga kugara panyika yavo mumaguta avo vaiva vamwe vaIsraeri, vaprista, vaRevhi navaranda vomutemberi.

3. Avo vaibva kuJudha, nevaibva kwaBhenjamini nevaibva kwaEfuremu naManase vaigara muJerusarema vaiva:

4. Utai mwanakomana waAmihudhi, mwanakomana waOmiri, mwanakomana waImiri, mwanakomana waBhani, chizvarwa chaPerezi mwanakomana waJudha.

5. VaShiro: Asaya uyo aiva dangwe navanakomana vake.

6. VaZerahi: Jeueri. Vanhu vaibva kuJudha vaiva mazana matanhatu namakumi mapfumbamwe.

7. VaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waHodhavhia, mwanakomana waHasenua;

8. Ibhineya mwanakomana waJerohami; Era mwanakomana waUzi, mwanakomana waMikiri naMeshurami mwanakomana waShefatia, mwanakomana waReueri, mwanakomana waIbhiniya.

9. Vanhu vorudzi rwaBhenjamini sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo, vaisvika mazana mapfumbamwe namakumi mashanu navatanhatu. Varume ava vose vakanga vari vakuru vemhuri.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 9