Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 7:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Vanakomana ava vose vaJedhiaeri vaiva vakuru vemhuri. Paiva nezviuru gumi nezvinomwe namazana maviri avarume vokurwa vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo.

12. VaShupi navaHupi vaiva zvizvarwa zvaIri, uye vaHushi vaiva zvizvarwa zvaAheri.

13. Vanakomana vaNafutari vaiva: Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi, zvizvarwa zvaBhiriha.

14. Zvizvarwa zvaManase zvaiva: Asirieri chizvarwa chake kubudikidza nomurongo wake muAramu. Iye akaberekawo Makiri baba vaGireadhi.

15. Makiri akatora mukadzi kubva pakati pavaHupi navaShupi. Zita rehanzvadzi yake rainzi Maaka. Chimwezve chizvarwa chainzi Zerofehadhi, akanga aine vanasikana chete.

16. Mukadzi waMakiri Maaka akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Pereshi. Munun'una wake ainzi Shereshi, uye vanakomana vake vaiva Uramu naRakemu.

17. Mwanakomana waUramu ainzi Bhedhani. Ava ndivo vaiva vanakomana vaGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase.

18. Hanzvadzi yake Hamoreketi akabereka Ishodhi, Abhiezeri naMara.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 7