Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 6:52-68 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

52. Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake,

53. Zadhoki mwanakomana wake naAhimazi mwanakomana wake.

54. Idzi ndidzo dzakanga dziri nzvimbo dzavo dzavakagoverwa dzokugara senyika yavo (dzakapiwa kuzvizvarwa zvaAroni, avo vaibva kuimba yaKohati, nokuti mugove wokutanga wakanga uri wavo).

55. Vakapiwa Hebhuroni iri muJudha namafuro ose akaipoteredza.

56. Asi minda nemisha yose yakapoteredza guta iri yakapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.

57. Saka zvizvarwa zvaAroni zvakapiwa Hebhuroni (Guta routiziro) uye Ribhina, Jatiri, Eshitemoa,

58. Hireni, Debhiri,

59. Ashani, Juta, Bheti Shemeshi pamwe chete namafuro awo.

60. Uye kubva kurudzi rwaBenjamini vakapiwa Gibheoni, Gebha Aremeti neAnatoti pamwe chete namafuro awo. Maguta aya, akagoverwa pakati pedzimba dzavaKohati akanga ari gumi namatatu pamwe chete.

61. Zvimwe zvizvarwa zvaKohati zvakagoverwa maguta gumi kubva kudzimba dzorudzi rwehafu rwaManase.

62. Zvizvarwa zvaGerishoni imba neimba zvakagoverwawo maguta gumi namatatu kubva kumarudzi aIsakari, Asheri naNafutari uye nokubva kuchikamu chorudzi rwaManase chiri muBhashani.

63. Zvizvarwa zvaMerari, imba neimba zvakagoverwa maguta gumi namaviri kubva kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni.

64. Saka vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta aya namafuro awo.

65. Kubva kurudzi rwaJudha, rwaSimeoni norwaBenjamini vakagoverwa maguta ayo akanga arehwa namazita.

66. Vamwe vedzimba dzaKohati vakapiwa kuti ive nyika yavo, maguta kubva kurudzi rwaEfuremu.

67. Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa Shekemu (guta routiziro) neGezeri,

68. neJokimeami, neBheti Horoni,

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 6