Saka Mwari waIsraeri akamutsa mweya waPuri mambo weAsiria iwo mweya waTigirati-Pireseri mambo weAsiria, akatapa vaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase. Akavatora akandovaisa kuHarahi, Habhori, Hara nokurwizi Gozani uko kwavari kusvikira zuva ranhasi.