Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 5:21-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Vakapamba zvipfuwo zvavaHagiri zvaiti: ngamera zviuru makumi mashanu zvengamera, zviuru mazana maviri ane makumi mashanu zvamakwai nezviuru zviviri zvembongoro. Vakatapawo zviuru zana zvavanhu,

22. uye vamwe vazhinji vakaurayiwa nokuti kurwa uku kwaiva kwaMwari. Uye vakagara munyika iyoyi kusvikira pakutapwa.

23. Vanhu verudzi rwehafu rwaManase vaiva vazhinji vakagara munyika yaibva kuBhashani ichisvika kuBhari Hemoni ndiko kuSeniri (Gomo reHemoni).

24. Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavo: Eferi, Erieri, Azireri, Jeremia, Hadhavhia naJadhieri. Ava vaiva varwi vakashinga, varume vembiri uye vari vakuru vedzimba dzavo.

25. Asi vakanga vasina kutendeka kuna Mwari wamadzibaba avo, vakaita ufeve hwokunamata vamwari vavanhu venyika iyi avo vakanga vaparadzwa naMwari pamberi pavo.

26. Saka Mwari waIsraeri akamutsa mweya waPuri mambo weAsiria iwo mweya waTigirati-Pireseri mambo weAsiria, akatapa vaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase. Akavatora akandovaisa kuHarahi, Habhori, Hara nokurwizi Gozani uko kwavari kusvikira zuva ranhasi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 5