Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 4:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ashuri baba vaTekoa vaiva navakadzi vaviri, Hera naNaara.

6. Naara akamuberekera Ahuzami, Heferi, Temeni naHaashashitari. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaNaara.

7. Vanakomana vaHera vaiva: Zareti, Zonani, Etinani

8. naKozi uyo aiva baba vaAnubhi naHazobhebha nevedzimba dzaAhareri mwanakomana waHaruni.

9. Jabhezi aikudzwa zvikuru kukunda vanun'una vake. Mai vake vakamutumidza kuti Jabhezi vachiti, “Ndakamubereka mukurwadziwa.”

10. Jabhezi akachema kuna Mwari waIsraeri achiti, “Haiwa, dai mandiropafadza mukakurisa nyika yangu! Ruoko rwenyu ngaruve neni uye rundichengete kune zvinokuvadza kuitira kuti ndisarwadziwa.” Uye Mwari akamupa zvaakakumbira.

11. Kerubhi, munun'una waShuha aiva baba vaMehiri uyo aiva baba vaEshitoni.

12. Eshitoni aiva baba vaBheti Rafa, Pasea naTehina baba vaIri Nahashi. Ava ndivo vaiva varume veReka.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 4