Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 27:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Uyu ndiye Bhenaya uya aiva mumwe woumhare pakati paMakumi Matatu uye aiva pamusoro paMakumi Matatu vacho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aitungamirira boka rake.

7. Wechina pamwedzi wechina, aiva Asaheri munun'una waJoabhu; mwanakomana wake Zebhadia ndiye akamutevera pakutungamirira boka iri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

8. Wechishanu pamwedzi wechishanu, aiva mutungamiri Shamihuti muIzirahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

9. Wechitanhatu pamwedzi wechitanhatu, aiva Ira mwanakomana waIkeshi muTekoi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

10. Wechinomwe pamwedzi wechinomwe, aiva Herezi muPeroni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

11. Worusere, pamwedzi worusere, aiva Sibhekai muHushati muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

12. Wechipfumbamwe, mumwedzi wechipfumbamwe, aiva Abhiezeri muAnatoti, muBenjamini. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

13. Wegumi, mumwedzi wegumi, aiva Maharai muNetofati, muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

14. Wegumi nomumwe, mumwedzi wegumi nomumwe, aiva Benaya muPiratoni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 27