Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 27:29-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Shitirai muSharoni, aiva mutariri wemombe dzaiva mumipata.

30. Obhiri muIshumaeri aiva mutariri wengamera Jedheya muMeronoti aiva mutariri wembongoro.

31. Jazizi muHagiri aiva mutariri wamakwai. Ava ndivo vaiva vabati vaichengeta zvinhu zvamambo Dhavhidhi.

32. Jonatani, babamunini vaDhavhidhi vaiva mupi wamazano, murume woruzivo nomunyori. Jehieri mwanakomana waHakimoni aiva muchengeti wavanakomana vamambo.

33. Ahitoferi aiva mupi wamazano kuna mambo. Hushai muAriki aiva shamwari yamambo.

34. Ahitoferi akazoteverwa pachinzvimbo naJehoyadha mwanakomana waBhenaya uye naAbhiatari. Joabhu ndiye aiva mutungamiri wehondo yamambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 27