Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 27:2-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Aitungamirira boka rokutanga mwedzi wokutanga, aiva Jashobheami mwanakomana waZabhidhieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

3. Aiva chizvarwa chaPerezi nomukuru wavakuru vavavarwi vose mumwedzi wokutanga.

4. Aitungamirira boka remwedzi wechipiri ainzi Dhavhidhi muAhohi; Mikiroti ndiye aiva mutungamiri weboka rake. Muboka rake maiva nezviuru makumi maviri nezvina.

5. Mukuru wavarwi wechitatu mumwedzi wechitatu ainzi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha muprista. Ndiye aiva mukuru uye muboka maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

6. Uyu ndiye Bhenaya uya aiva mumwe woumhare pakati paMakumi Matatu uye aiva pamusoro paMakumi Matatu vacho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aitungamirira boka rake.

7. Wechina pamwedzi wechina, aiva Asaheri munun'una waJoabhu; mwanakomana wake Zebhadia ndiye akamutevera pakutungamirira boka iri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

8. Wechishanu pamwedzi wechishanu, aiva mutungamiri Shamihuti muIzirahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

9. Wechitanhatu pamwedzi wechitanhatu, aiva Ira mwanakomana waIkeshi muTekoi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

10. Wechinomwe pamwedzi wechinomwe, aiva Herezi muPeroni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

11. Worusere, pamwedzi worusere, aiva Sibhekai muHushati muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

12. Wechipfumbamwe, mumwedzi wechipfumbamwe, aiva Abhiezeri muAnatoti, muBenjamini. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

13. Wegumi, mumwedzi wegumi, aiva Maharai muNetofati, muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

14. Wegumi nomumwe, mumwedzi wegumi nomumwe, aiva Benaya muPiratoni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

15. Wegumi navaviri, mumwedzi wegumi nemiviri, aiva Heridhai muNetofati, aibva mumhuri yaOtinieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

16. Machinda pamusoro pamarudzi aIsraeri aiti: pamusoro pavaRubheni: Eriezeri mwanakomana waZikiri; pamusoro pavaSimeoni: Shefatia mwanakomana waMaaka;

17. pamusoro paRaiti: Hashabhia mwanakomana waKemueri; pamusoro paAroni: Zadhoki;

18. pamusoro paJudha: Erihu, munun'una waDhavhidhi; pamusoro paIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;

19. pamusoro paZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhia; pamusoro paNafutari: Jerimoti mwanakomana waAzirieri;

20. pamusoro pavaEfuremu: Hoshea mwanako-mana waAzazia; pamusoro porudzi rwehafu rwaManase: Joere mwanakomana waPedhaya;

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 27