Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 26:7-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Vanakomana vaShemaya vaiti: Otini, Refaeri, Obedhi naErizabhadhi; hama dzake Erihu naSemakia vaivawo varume vaikwanisa.

8. Vose ava vaiva zvizvarwa zvaObedhi-Edhomu, Ivo navanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaikwanisa vaine simba rokuita basa, zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu, vaisvika makumi matanhatu navaviri pamwe chete.

9. Mesheremia aiva navanakomana nehama vakanga vari varume voumhare vaisvika gumi navasere pamwe chete.

10. Hosa muMerati aiva navanakomana vaiti: Shimiri wokutanga (kunyange zvake akanga asiri dangwe baba vake vakamuita wokutanga.)

11. Hirikia wechipiri, Tabharia wechitatu naZakaria wechina. Vanakomana nehama dzaHosa vaiva gumi navatatu vose pamwe chete.

12. Aya mapoka avachengeti vamasuo, kubudikidza navakuru vavo, vaiva nemabasa okushumira mutemberi yaJehovha, sezvaingoitawo hama dzavo.

13. Mijenya yakakandwa nokuda kwesuo rime nerimwe, maererano nemhuri dzavo, vadiki nevakuru pamwe chete.

14. Mijenya weSuo Rokumabvazuva wakawira pana Sheremia. Zvino mujenya yakakandwa nokuda kwomwanakomana wake Zekaria, mupi wamazano akachenjera uye mujenya weSuo Rokumusoro wakawira paari.

15. Mujenya weSuo Rezasi wakawira pana Obedhi-Edhomu, uye mujenya wedura wakawira kuvanakomana vake.

16. Mijenya yeSuo Rokumadokero neSuo reSharebeti kunzira yokumusoro yakawira kuna Shupimi naHosa. Murindi aimira parutivi rwomumwe murindi.

17. Kumabvazuva kwainge kuine vaRevhi vatanhatu pazuva, kurutivi rwokumusoro kuine vana pazuva, zasi kuine vana pazuva uye vaviri panguva imwe chete padura.

18. Kana rwuri ruvanze rwokumadokero kwaiva navana kunzira navaviri paruvanze chaipo.

19. Aya ndiwo aiva mapoka avachengeti vemasuo avo vaiva zvizvarwa zvaKora naMerari.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 26