Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 16:36-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

36. Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri,kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha.

37. Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe.

38. Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhuruni naHosa vaiva vatariri vamasuo.

39. Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni

40. kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri.

41. Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.”

42. Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo.

43. Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 16