Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 16:26-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,asi Jehovha akasika matenga.

27. Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake;simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake.

28. Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba,

29. ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake;namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.

30. Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunutswi.

31. Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pamarudzi, “Jehovha anotonga!”

32. Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri;minda ngaifarisise nezvose zviri mairi.

33. Ipapo miti yesango ichaimba,ichaimba nomufaro pamberi paJehovha,nokuti anouya kuzotonga nyika.

34. Vongai Jehovha nokuti akanaka;rudo rwake runogara nokusingaperi.

35. Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu;tiunganidzei uye mutirwire pandudzi,kuti tigovonga zita renyu dzvenekuti tifarisise mukukurumbidzai.”

36. Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri,kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 16