23. Imbirai Jehovha, pasi pose;paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
24. Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi,mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.
25. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa;anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
26. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,asi Jehovha akasika matenga.
27. Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake;simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake.
28. Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba,
29. ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake;namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
30. Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunutswi.
31. Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pamarudzi, “Jehovha anotonga!”
32. Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri;minda ngaifarisise nezvose zviri mairi.
33. Ipapo miti yesango ichaimba,ichaimba nomufaro pamberi paJehovha,nokuti anouya kuzotonga nyika.