Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 16:23-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Imbirai Jehovha, pasi pose;paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.

24. Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi,mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.

25. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa;anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.

26. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,asi Jehovha akasika matenga.

27. Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake;simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake.

28. Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba,

29. ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake;namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.

30. Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunutswi.

31. Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pamarudzi, “Jehovha anotonga!”

32. Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri;minda ngaifarisise nezvose zviri mairi.

33. Ipapo miti yesango ichaimba,ichaimba nomufaro pamberi paJehovha,nokuti anouya kuzotonga nyika.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 16