Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 16:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Anorangarira sungano yake nokusingaperi,shoko raakarayira,kwechiuru chamarudzi.

16. Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.

17. Akasimbisa kuna Jakobho somutemo,kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti:

18. “Kwauri ndichapa nyika yeKenani,sechikamu chenhaka yako.”

19. Pavakanga vari vashoma,vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi,

20. vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe,kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 16