Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 13:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Dhavhidhi akataurirana nomumwe nomumwe wavabati vake vose, vatungamiri vezviuru, navatungamiri vamazana.

2. Akati kuungano yose yeIsraeri, “Kana zvichiita sezvakakunakirai uye kana kuri kuda kwaJehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kwose kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yeIsraeri, nokuvaprista navaRevhi vavagere navo mumaguta avo nokumafuro avo kuti vauye vazobatana nesu.

3. “Ngatidzorei areka yaMwari wedu kwatiri zvakare, nokuti izvi hatina kuzvibvunza panguva yokutonga kwaSauro.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 13