Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 12:33-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. varume vokwaZebhuruni, varwi vaiziva, vakanga vakagadzirira kurwa nezvombo zvemhando dzose, vakauya kuzobatsira Dhavhidhi nomwoyo wakaperera, vaiva zviuru makumi mashanu;

34. varume vokwaNafutari vaiva chiuru chavakuru vamapoka, pamwe chete nezviuru makumi matatu nezvinomwe zvavarume vakanga vakatakura nhoo namapfumo;

35. varume vokwaDhani, vakanga vakagadzirira kurwa, zviuru makumi maviri nezvisere namazana matanhatu;

36. varume vokwaAsheri, vakanga vane unyanzvi hwokurwa uye vakagadzirira kurwa, vaiva zviuru makumi matanhatu;

37. uye kubva kumabvazuva aJorodhani, varume vokwaRubheni, Gadhi norudzi rwehafu rwaManase vakanga vakapakata zvombo zvemhando dzose, vaiva zviuru zana namakumi maviri.

38. Ava vose vaiva varume vokurwa vakazvipira kundorwa. Vakauya paHebhuroni vakagadzirira zvizere kuzogadza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri. Vamwe vaIsraeri vose vaiva nomwoyo mumwe chete wokuti vaite Dhavhidhi mambo.

39. Varume vakagara mazuva matatu ipapo vaina Dhavhidhi vachidya nokunwa nokuti mhuri dzavo dzainge dzavavigira zvokudya.

40. Uyewo, vavakidzani vavo vokure kwazvo kunyange kwaIsakari, kwaZebhuruni nokwaNafutari vakauya nezvokudya zviri pambongoro, ngamera, mahesera nenzombe. Pakanga paine zvokudya zvizhinji kwazvo zvaiti upfu, makeke amaonde, makeke amazambiringa akaoma, waini, mafuta, nzombe, namakwai nokuti mufaro wakanga uripo pakati peIsraeri.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 12