Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 12:20-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Dhavhidhi paakaenda kuZikiragi, ava ndivo vaiva varume vokwaManase vakabatana naye: Adhina, Jozabhadhi, Jedhieri, Mikaeri, Jozabhadhi, Erihu naZiretai, vatungamiri vezvikwata zvechiuru muna Manase.

21. Vakabatsira Dhavhidhi paairwisana namapoka amakororo, nokuti vose vakanga vari varwi vakashinga uye vaiva vatungamiri muhondo yake.

22. Zuva nezuva varume vakauya kuzobatsira Dhavhidhi kusvikira ava nehondo huru kwazvo, sehondo yaMwari.

23. Uku ndiko kuwanda kwavarume vakapakata zvombo kuti vandorwa, vakauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni kuti vatore umambo hwaSauro vahupe kwaari, sezvazvakanga zvarehwa naJehovha:

24. Varume vokwaJudha vakanga vakatakura nhoo namapfumo vaiva zviuru zvitanhatu namazana masere uye akapakata zvombo kuti vandorwa;

25. varume vokwaSimeoni, varwi vakanga vakagadzirira kundorwa vaiva zviuru zvinomwe nezana;

26. varume vokwaRevhi zviuru zvina namazana matanhatu,

27. pamwe chete naJehoyadha, mutungamiri wemhuri yaAroni aiva navarume zviuru zvitatu namazana manomwe,

28. naZadhoki, murwi wechidiki aiva akashinga, navakuru vamapoka makumi maviri navaviri kubva kumhuri yake;

29. varume vokwaBenjamini, hama dzaSauro vaiva zviuru zvitatu vazhinji vavo vakanga vamboramba vachitevera Sauro kusvikira musi uyu;

30. varume vokwaEfuremu varwi vakashinga vaiva nomukurumbira kwazvo kumhuri dzavo vaiva zviuru makumi maviri namazana masere;

31. varume vokurudzi rwehafu rwaManase vakadanwa namazita avo kuti vauye vazogadza Dhavhidhi umambo vaiva zviuru gumi nezvisere;

32. varume vokwaIsakari vainzwisisa nguva uye vaiziva kuti Israeri yaifanira kuitei, vaiva vakuru mazana maviri nehama dzavo dzose dzaiva pasi pavo;

33. varume vokwaZebhuruni, varwi vaiziva, vakanga vakagadzirira kurwa nezvombo zvemhando dzose, vakauya kuzobatsira Dhavhidhi nomwoyo wakaperera, vaiva zviuru makumi mashanu;

34. varume vokwaNafutari vaiva chiuru chavakuru vamapoka, pamwe chete nezviuru makumi matatu nezvinomwe zvavarume vakanga vakatakura nhoo namapfumo;

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 12