Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 9:24-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Mushure mokunge mwanasikana waFaro abva kuGuta raDhavhidhi akauya kumuzinda wake waakanga avakirwa naSoromoni, Soromoni akavaka Miro.

25. Katatu pagore Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa paaritari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuwira pamwe chete nazvo pamberi paJehovha. Saizvozvo akapedza nezvetemberi.

26. Mambo Soromoni akavakawo zvikepe paEzioni Gebheri, iri pedyo neEroti muEdhomu, pamahombekombe eGungwa Dzvuku.

27. Uye Hiramu akatuma varanda vake, vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kuti vazoshandisa zvikepe pamwe chete navaranda vaSoromoni.

28. Vakaenda kuOfiri, vakandodzokako namazana mana namakumi maviri amatarendab egoridhe, ayo avakandopa Mambo Soromoni.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 9