Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 7:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Makonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana; akanga ari nechemberi ari matatu matatu, akatarisana.

6. Akaita imba yembiru yakanga yakareba makubhiti makumi mashanud iine upamhi hwamakubhiti makumi matatue. Pamberi payo paiva nebiravira, pamberi parowo paine mbiru nedenga rakarembera.

7. Akavakawo imba yechigaro chokutonga, Imba Yokururamisira, umo maaizotongera nyaya, uye akaifukidza nemisidhari kubva pasi kusvikira kumusoro.

8. Muzinda wake waaizogara necheseri, wakanga wakavakwa zvimwe chetezvo. Soromoni akavakirawo mwanasikana waFaro, uyo waakanga awana, muzinda wakafanana nouyu.

9. Dzimba dzose idzi, kubva kunze kusvikira kuchivanze chikuru, nokubva pahwaro kusvikira paberevere, dzakanga dziri dzamatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, uye akachekwa nejeko kunze nomukati.

10. Hwaro hwakanga hwakavakwa namatombo makuru anokosha, mamwe akareba makubhiti gumif, mamwe makubhiti masereg.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 7