Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 7:47-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

47. Soromoni haana kuyera zvinhu zvose izvi nokuti zvakanga zvakawanda kwazvo; uremu hwendarira hahuna kuzivikanwa.

48. Soromoni akaitawo midziyo yose yaiva mutemberi maJehovha:aritari yegoridhe;tafura yegoridhe yaiva nechingwa choKuvapo, pamusoro payo;

49. zvigadziko zvemwenje zvegoridhe rakaisvonaka (zvishanu kurudyi nezvishanu kuruboshwe pamberi penzvimbo tsvene yomukati);maruva, mwenje nembato, zvegoridhe;

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 7