Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 7:46-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

46. Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu rokuumba pabani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.

47. Soromoni haana kuyera zvinhu zvose izvi nokuti zvakanga zvakawanda kwazvo; uremu hwendarira hahuna kuzivikanwa.

48. Soromoni akaitawo midziyo yose yaiva mutemberi maJehovha:aritari yegoridhe;tafura yegoridhe yaiva nechingwa choKuvapo, pamusoro payo;

49. zvigadziko zvemwenje zvegoridhe rakaisvonaka (zvishanu kurudyi nezvishanu kuruboshwe pamberi penzvimbo tsvene yomukati);maruva, mwenje nembato, zvegoridhe;

50. makapu, zvidzimiso zvemwenje, madhishi, madhishi ezvinonhuwira nezvaenga zvomoto, zvegoridhe rakaisvonaka;zvibato zvamakonhi ekamuri yomukatikati memba, Nzvimbo Tsvene-tsvene, namakonhi eimba huru, zvakanga zviri zvegoridhe.

51. Zvino basa rose rakaitwa naMambo Soromoni patemberi yaJehovha parakapera, Soromoni akauyisa zvinhu zvakanga zvakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, midziyo yesirivha negoridhe, akazvichengeta mumatura epfuma yetemberi yaJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 7