Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 7:34-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Tafura imwe neimwe yaiva nemibato mina, pakona imwe neimwe, uye yaibudikira kubva patafura.

35. Pamusoro petafura paiva nechitenderere chakanga chakadzika zvinosvika hafu yekubhitit. Zvitsigiro namagwatidziro zvakanga zvakanamatidzwa pamusoro petafura.

36. Akaveza makerubhi, shumba nemiti yemichindwi pazvitsigiro namagwatidziro, napose paigona kuvezwa, nezvishongo zvamaruva kumativi ose.

37. Aya ndiwo magadziriro aakaita tafura gumi. Dzose dzakanga dzakafanana pakuumbwa kwadzo, dzakaenzana pakukura napamaumbirwo.

38. Ipapo akaita madhishi endarira gumi, rimwe nerimwe richipinda mabhati makumi manau uye rakafara makubhiti mana, dhishi rimwe chete richizoiswa patafura imwe neimwe yetafura gumi.

39. Akaisa tafura shanu zasi kwetemberi, shanu kumusoro. Akaisa Gungwa kurutivi rwezasi, zasi kwakadziva kumabvazuva kwetemberi.

40. Hiramu akaitawo poto, foshoro namadhishi.Saka Hiramu akapedza basa rose raakaitira Mambo Soromoni mutemberi yaJehovha:

41. mbiru mbiri;misoro miviri yedenderedzwa pamusoro pembiru;mimbure miviri yakarukwa yaishongedza misoro miviri yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru;

42. matamba mazana mana emimbure miviri (mitsara miviri yamatamba pamumbure mumwe chete, kuti ishongedze misoro yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru);

43. tafura gumi namadhishi adzo gumi;

44. Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;

45. poto, foshoro namadhishi.Zvinhu zvose izvi zvakaitirwa Mambo Soromoni mutemberi maJehovha naHiramu zvaiva zvendarira yakabwinyiswa.

46. Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu rokuumba pabani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.

47. Soromoni haana kuyera zvinhu zvose izvi nokuti zvakanga zvakawanda kwazvo; uremu hwendarira hahuna kuzivikanwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 7